Jeremiah 26:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jeremia wakati apedza kutaura ɀose ɀaakaŋga arairwa naJehova kuti aʋudze ʋanhu ʋose, ʋaprista naʋaprofita naʋanhu ʋose ʋakamuɓata, ʋaciti: Ɀirokwaɀo, ucafa iwe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Jeremia akati achangopedza kuudza vanhu vose zvose zvaakanga arayirwa naJehovha kuti ataure, vaprista navaprofita navanhu vose vakamubata vakati, “Unofanira kufa!
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jeremiya paakanga apedza kutaura zvose zvaakanga audzwa naTenzi kuti ataurire vanhu vose, ipapo vapristi navaporofita vakamubata vachiti,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jeremiya wakati apedza kutaura zvose zvakanga arairwa naJehovha kuti audze vanhu vose, vapristi navaporofita navanhu vose vakamubata, vachiti, “Zvirokwazvo, uchafa iwe.
Shona 2009?
Zvino Jeremiya wakati apedza kutaura zvose zvaakanga arairwa naJehovha kuti audze vanhu vose, vaprista navaporofita navanhu vose vakamubata, vachiti, "Zvirokwazvo, uchafa iwe.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jeremiya wakati apedza kutaura zvose zvaakanga arairwa naJehovha kuti audze vanhu vose, vapristi navaporofita navanhu vose vakamubata, vachiti, “Zvirokwazvo, uchafa iwe.