Jeremiah 27:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ndikataura naZedekia mambo waJuda mashoko awa ose, ndiciti: Isai mitsipa yenyu pasi pejoko ramambo weBabironi, mumushumire iye naʋanhu ʋake, murarame.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakapa shoko rimwe chetero kuna Zedhekia mambo weJudha. Ndakati, “Isa mutsipa wako pasi pejoko ramambo weBhabhironi; umushandire iye navanhu vake, ugorarama.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakataurawo zvimwechetezvo kuna Zedhekiya mambo wokwaJudha ndichiti, “Rerekerai mitsipa yenyu pasi pejoko ramambo weBhabhironi mumushandire iye navanhu vake mugorarama.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino ndikataura naZedhekia mambo waJudha mashoko awa ose, ndichiti, ‘Isai mitsipa yenyu pasi pejoko ramambo weBhabhironi, mumushumire iye navanhu vake, murarame.
Shona 2009?
"Zvino ndikataura naZedhekia mambo waJudha mashoko awa ose, ndichiti, `Isai mitsipa yenyu pasi pejoko ramambo weBhabhironi, mumushumire iye navanhu vake, murarame.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino ndikataura naZedhekiya mambo waJudha mashoko awa ose, ndichiti, ‘Isai mitsipa yenyu pasi pejoko ramambo weBhabhironi, mumushumire iye navanhu vake, murarame.