Jeremiah 27:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ini handina‐kuʋatuma — ndiɀo ɀinotaura Jehova — asi ʋanoprofita nhema nezita raŋgu; kuti ndikudziŋgirei kunze, mupere, imi naʋaprofita ʋanokuprofiterai.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
‘Ini handina kuvatuma,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. Vari kuprofita nhema muzita rangu. Naizvozvo, ndichakudzingai, mugoparara mose imi navaprofita vanoprofita kwamuri.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvanzi naTenzi ini handina kuvatuma, asi vari kuporofita zvenhema muzita rangu, zvichakonzera kuti ndikudzingei muchibva matsakatika imi pamwechete navaporofita vari kukuporofitirai vacho.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti ini handina kuvatuma ndizvo zvinotaura Jehovha asi vanoporofita nhema nezita rangu; kuti ndikudzingirei kunze, mupere, imi navaporofita vanokuporofiterai.’ ”
Shona 2009?
Nokuti ini handina kuvatuma ndizvo zvinotaura Jehovha asi vanoporofita nhema nezita rangu; kuti ndikudzingirei kunze, mupere, imwi navaporofita vanokuporofitirai.' "
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti ini handina kuvatuma ndizvo zvinotaura Jehovha asi vanoporofita nhema nezita rangu; kuti ndikudzingirei kunze, mupere, imi navaporofita vanokuporofiterai.’ ”