Jeremiah 27:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndakataura ʋo naʋaprista, ʋuye naʋanhu aʋa ʋose, ndikati: Ɀanzi naJehova: Regai kuterera mashoko aʋaprofita ʋenyu ʋanokuprofiterai, ʋaciti: Tarirai, midziyo yeimba yaJehova yoɗo‐kudzoswa icibva Babironi; nokuti ʋanokuprofiterai nhema.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo ndakati kuvaprista navanhu vose ava, “Zvanzi naJehovha: Regai kuteerera vaprofita vanoti, ‘Iye zvino, nokukurumidza, midziyo yakabviswa mutemberi yaJehovha ichadzoswazve kubva kuBhabhironi.’ Vari kukuprofiterai nhema.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakazotaurira vapristi navanhu vose ivava ndichiti: “Zvanzi naTenzi, musateerere zvinorehwa navaporofita venyu vari kukuporofitirai vachiti, ‘Chiregai muone zvenyu, midziyo yemba yaTenzi yava kutodzorerwa kuno izvozvi ichibva kuBhabhironi’ nokuti vari kukuporofitirai zvenhema.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndakataurawo navapristi, uye navanhu ava vose, ndikati, “Zvanzi naJehovha, ‘Regai kuterera mashoko avaporofita venyu vanokuporofiterai,’ vachiti, ‘Tarirai, midziyo yeimba yaJehovha yodokudzoswa ichibva Bhabhironi; nokuti vanokuporofiterai nhema.
Shona 2009?
Ndakataurawo navaprista, uye navanhu ava vose, ndikati, "Zvanzi naJehovha, `Regai kuteerera mashoko avaporofita venyu vanokuporofitirai,' vachiti, `Tarirai, midziyo yeimba yaJehovha yodokudzoswa ichibva Bhabhironi; nokuti vanokuporofitirai nhema.
Shona SUB 2002 Bible
Ndakataurawo navapristi, uye navanhu ava vose, ndikati, “Zvanzi naJehovha, ‘Regai kuteerera mashoko avaporofita venyu vanokuporofiterai,’ vachiti, ‘Tarirai, midziyo yeimba yaJehovha yodokudzoswa ichibva Bhabhironi; nokuti vanokuporofiterai nhema.