Jeremiah 27:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi kana ʋari ʋaprofita, kana shoko raJehova rinaʋo, ŋgaʋanyeŋgetere Jehova wehondo ɀino, kuti midziyo yakasara mumba maJehova nomumba mamambo waJuda, napaJerusarema, irege kuenda Babironi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana vari vaprofita uye vane shoko raJehovha ngavakumbirise kuna Jehovha, Wamasimba Ose kuti midziyo yakasara muimba yaJehovha, nomumuzinda wamambo weJudha neJerusarema irege kutakurwa ichiendeswa kuBhabhironi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana vari vaporofitawo uye kana vane shoko raTenzi, regaika vateterere kuna Tenzi wehondo nehondo kuti midziyo yasara mumba yaTenzi nomumba yamambo wokwaJudha nomuJerusaremu irege kuenda kuBhabhironi”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi kana vari vaporofita, kana shoko raJehovha rinavo, ngavanyengetere Jehovha wehondo zvino, kuti midziyo yakasara mumba maJehovha nomumba mamambo waJudha, napaJerusaremu, irege kuenda Bhabhironi.”
Shona 2009?
Asi kana vari vaporofita, kana shoko raJehovha rinavo, ngavanyengetere Jehovha wehondo zvino, kuti midziyo yakasara mumba maJehovha nomumba mamambo waJudha, napaJerusaremu, irege kuenda Bhabhironi."
Shona SUB 2002 Bible
Asi kana vari vaporofita, kana shoko raJehovha rinavo, ngavanyengetere Jehovha wehondo zvino, kuti midziyo yakasara mumba maJehovha nomumba mamambo waJudha, napaJerusaremu, irege kuenda Bhabhironi.”