Jeremiah 27:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Icandoiswa Babironi, ikagara’ko, kuȿikira zuʋa randicaʋashanyira — ndiɀo ɀinotaura Jehova; ipapo ndicaʋaʋuyisa ɀe, ndikaʋadzosera kunɀimbo ino.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Zvichatakurwa zvichiendeswa kuBhabhironi uye ndiko kwazvichagara kusvikira pazuva randichavavinga,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Ipapo ndichavadzosa ndigovagarisazve panzvimbo ino.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ichatakurwa igoendwa nayo kuBhabhironi igareko kusvikira musi wandichazofunga zvokuita nayo, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Ndipo pandichaiunzazve kuno ndichiidzosera munzvimbo ino.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ichandoiswa Bhabhironi, ikagarako, kusvikira zuva randichavashanyira ndizvo zvinotaura Jehovha; ipapo ndichavauyisazve, ndikavadzosera kunzvimbo ino.”
Shona 2009?
"Ichandoiswa Bhabhironi, ikagarako, kusvikira zuva randichavashanyira ndizvo zvinotaura Jehovha; ipapo ndichavauyisazve, ndikavadzosera kunzvimbo ino."
Shona SUB 2002 Bible
“Ichandoiswa Bhabhironi, ikagarako, kusvikira zuva randichavashanyira ndizvo zvinotaura Jehovha; ipapo ndichavauyisazve, ndikavadzosera kunzvimbo ino.”