Jeremiah 27:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Marudzi ose acamushumira, iye nomŋanakomana wake, nomŋanakomana womŋanakomana wake, kuȿikira ŋguʋa yenyika yake yaȿika ʋo; ipapo marudzi mazhinji namadzimambo makuru acamuita muranda waʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndudzi dzose dzichamushandira, iye nemwanakomana wake, nomuzukuru wake, kusvikira nguva yenyika yake yasvika; ipapo ndudzi zhinji namadzimambo makuru achamuita muranda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Marudzi ose avanhu achamushandira iye nomwanakomana wake nomuzukuru wake mukomana kusvikirawo jana renyika yakewo rasvika rokuti marudzi mazhinji namadzimambo makuru chaiwo vazomuitawo muranda wavo.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Marudzi ose achamushumira, iye nomwanakomana wake, kusvikira nguva yenyika yake yasvikawo; ipapo marudzi mazhinji namadzimambo makuru achamuita muranda wavo.
Shona 2009?
Marudzi ose achamushumira, iye nomwanakomana wake, kusvikira nguva yenyika yake yasvikawo; ipapo marudzi mazhinji namadzimambo makuru achamuita muranda wavo.
Shona SUB 2002 Bible
Marudzi ose achamushumira, iye nomwanakomana wake, kusvikira nguva yenyika yake yasvikawo; ipapo marudzi mazhinji namadzimambo makuru achamuita muranda wavo.