Jeremiah 27:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino rudzi rupi norupi noʋushe bgupi nobgupi ʋanoramba kushumira iye Nebukadnezari mambo weBabironi, ʋanoramba kuisa mutsipa waʋo pasi pejoko ramambo weBabironi, rudzi urwo ndicaruroʋa nomunondo ʋuye nenzara, nehosha yakaipa, kuȿikira ndaʋapedza noruʋoko rwake — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Kunyange zvakadaro, kana rudzi rupi norupi kana ushe hupi nohupi hukasazoshandira Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi kana hukazoisa mutsipa warwo pasi pejoko rake, ndicharanga rudzi urwo nomunondo, nenzara uye nedenda, kusvikira ndarupedza noruoko rwake, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Asi kuwana rudzi kana nyika zvayo yazoramba kushandira Nebhukadhineza mambo weBhabhironi uyu, ruchirega kurerekera mutsipa warwo pasi pejoko ramambo weBhabhironi, ndicharanga rudzi irworwo nebakatwa neshangwa yenzara nedenda kusvikira ndarutsakatisa nesimba roruoko rwake. Ndizvo zviri kutaura Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino rudzi rupi norupi noushe hwupi nohwupi vanoramba kushumira iye Nebukadhinezari mambo waBhabhironi, vanoramba kuisa mutsipa wavo pasi pejoko ramambo weBhabhironi, rudzi urwo ndicharurova nomunondo uye nenzara, nehosha yakaipa, kusvikira ndavapedza noruoko rwake ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona 2009?
"Zvino rudzi rupi norupi noushe hwupi nohwupi vanoramba kushumira iye Nebukadhinezari mambo waBhabhironi, vanoramba kuisa mutsipa wavo pasi pejoko ramambo weBhabhironi, rudzi urwo ndicharurova nomunondo uye nenzara, nehosha yakaipa, kusvikira ndavapedza noruoko rwake ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino rudzi rupi norupi noushe hwupi nohwupi vanoramba kushumira iye Nebukadhineza mambo waBhabhironi, vanoramba kuisa mutsipa wavo pasi pejoko ramambo weBhabhironi, rudzi urwo ndicharurova nomunondo uye nenzara, nechirwere chakaipa, kusvikira ndavapedza noruoko rwake ndizvo zvinotaura Jehovha.