Jeremiah 27:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi kana muri’mi, regai kuterera ʋaprofita ʋenyu, kana ʋaʋuki ʋenyu, kana kurota kwenyu, kana ʋafemberi ʋenyu, kana ʋaroyi ʋenyu, ʋanotaura nemi, ʋaciti: Hamuŋgashumiri mambo weBabironi;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka musateerera vaprofita venyu, navavuki venyu, kana vanodudzira hope kana vafemberi kana varoyi vanokuudzai kuti, ‘Hamungashandiri mambo weBhabhironi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saka imi chiregai kuteerera vaporofita venyu kana vashoperi venyu kunyange varoti venyu kana vafemberi venyu vemaminimini kana vanhu venyu vakaromba mushonga vari kukutii, hamusi kuzoshandira mambo weBhabhironi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi kana murimi, regai kuterera vaporofita venyu, kana vauki venyu, kana kurota kwenyu, kana vafemberi venyu, kana varoyi venyu, vanotaura nemi, vachiti, ‘Hamungashumiri mambo weBhabhironi;
Shona 2009?
Asi kana murimi, regai kuteerera vaporofita venyu, kana vauki venyu, kana kurota kwenyu, kana vafemberi venyu, kana varoyi venyu, vanotaura nemi, vachiti, `Hamungashumiri mambo weBhabhironi;
Shona SUB 2002 Bible
Asi kana murimi, regai kuteerera vaporofita venyu, kana vauki venyu, kana kurota kwenyu, kana vafemberi venyu, kana varoyi venyu, vanotaura nemi, vachiti, ‘Hamungashumiri mambo weBhabhironi;