Jeremiah 28:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino pagore irero, pakuʋamba kwokuɓata ʋushe kwaZedekia mambo waJuda, pagore recinna, nomŋedzi wecishanu, Hanania mŋanakomana waAzuri muprofita, waiʋa weGibeoni, akataura neni mumba maJehova, ʋaprista naʋanhu ʋose ʋari’po, akati:
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pakutanga kwokubata ushe kwaZedhekia mambo weJudha, mugore rechina, nomwedzi wechishanu wegore racho iroro, muprofita Hanania mwanakomana waAzuri, aibva kuGibheoni, akati kwandiri tiri mumba yaJehovha pamberi pavaprista navanhu vose,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hananiya anokakavadzana naJeremiya. Mugore rakarero, mukutanga kutonga kwaZedhekiya mambo wokwaJudha mumwedzi wechishanu wegore rechina, Hananiya mwanakomana wokwaAzuru, muporofita wokuguta reGibheoni akataura kwandiri mumba yaTenzi, vapristi navanhu vose varipowo achiti:
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino pagore irero, pakuvamba kwokubata ushe kwaZedhekia mambo waJudha, pagore rechina, nomwedzi wechishanu, Hanania mwanakomana waAzuri muporofita, waiva weGibheoni, akataura neni mumba maJehovha, vapristi navanhu vose varipo, akati,
Shona 2009?
Zvino pagore irero, pakuvamba kokubata ushe kwaZedhekia mambo waJudha, pagore rechina, nomwedzi wechishanu, Hanania mwanakomana waAzuri muporofita, waiva weGibhiyoni, akataura neni mumba maJehovha, vaprista navanhu vose varipo, akati,
Shona SUB 2002 Bible
Zvino pagore irero, pakuvamba kwokubata ushe kwaZedhekiya mambo waJudha, pagore rechina, nomwedzi wechishanu, Hanania mwanakomana waAzuri muporofita, waiva weGibheoni, akataura neni mumba maJehovha, vapristi navanhu vose varipo, akati,