Jeremiah 28:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Hanania akataura pamberi paʋanhu ʋose, aciti: Ɀanzi naJehova: Saiɀoɀo ndicavuna joko raNebukadnezari mambo weBabironi pamitsipa yamarudzi ose makore maʋiri asati apera kwaɀo. Muprofita Jeremia ndokuenda ɀake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye akati, pamberi pavanhu vose, “Zvanzi naJehovha, ‘Saizvozvi ndichavhuna joko raNebhukadhinezari mambo weBhabhironi kubva pamutsipa wendudzi dzose makore maviri asati apera.’ ” Adaro, muprofita Jeremia akaenda hake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hananiya ndokutaura vanhu vose vachinzwa achiti, “Zvanzi naTenzi, ndichatyorawo saizvozvi joko raNebhukadhineza mambo weBhabhironi ndichiribvisa mumutsipa wamarudzi ose avanhu mumakore maviri.” Asi muporofita Jeremiya akabva aenda hake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Hanania akataura pamberi pavanhu vose, achiti, “Zvanzi naJehovha, ‘Saizvozvo ndichavhuna joko raNebhukadhinezari mambo weBhabhironi pamitsipa yamarudzi ose makore maviri asati apera kwazvo.’ ” Muporofita Jeremiya ndokuenda zvake.
Shona 2009?
Zvino Hanania akataura pamberi pavanhu vose, achiti, "Zvanzi naJehovha, `Saizvozvo ndichavhuna joko raNebhukadhinezari mambo weBhabhironi pamitsipa yamarudzi ose makore maviri asati apera kwazvo.' " Muporofita Jeremiya ndokuenda zvake.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Hanania akataura pamberi pavanhu vose, achiti, “Zvanzi naJehovha, ‘Saizvozvo ndichavhuna joko raNebhukadhineza mambo weBhabhironi pamitsipa yamarudzi ose makore maviri asati apera kwazvo.’ ” Muporofita Jeremiya ndokuenda zvake.