Jeremiah 28:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ɀanzi naJehova wehondo, Mŋari waIsraeri: Ndakaisa joko resimbi pamitsipa yamarudzi awa ose, kuti ashumire Nebukadnezari mambo weBabironi; acamushumira, ʋuye ndakamupa ʋo mhuka dzeɓundo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, ndichaisa joko resimbi pamitsipa yendudzi idzi dzose kuti vashandire Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, uye vachamushandira. Ndichaita kuti ave nesimba kunyange nepamusoro pezvikara zvesango.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti zvanzi Tenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri, ndaisa pamutsipa yamarudzi ose avanhu joko resimbi, rouranda hwokushandira Nebhukadhineza mambo weBhabhironi. Vanofanira kumushandira nokuti ndatomupa kunyange nezvikara zvesango.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, ‘Ndakaisa joko resimbi pamitsipa yamarudzi awa ose, kuti ashumire Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi; achamushumira, uye ndakamupawo mhuka dzebundo.’ ”
Shona 2009?
"Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, `Ndakaisa joko resimbi pamitsipa yamarudzi awa ose, kuti ashumire Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi; achamushumira, uye ndakamupawo mhuka dzebundo.' "
Shona SUB 2002 Bible
“Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, ‘Ndakaisa joko resimbi pamitsipa yamarudzi awa ose, kuti ashumire Nebhukadhineza mambo weBhabhironi; achamushumira, uye ndakamupawo mhuka dzebundo.’ ”