Jeremiah 28:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋaprofita, ʋakanditaŋgira ini newe, ʋakaprofitera nyika zhinji, noʋushe ʋukuru, ʋacireʋa ɀokurwa, nenzara, nehosha yakaipa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kubva kare, vaprofita vakakutangira iwe neni vakaprofitera nyika zhinji noushe ukuru pamusoro pehondo, nenjodzi uye denda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vaporofita vakatitangira ini newe kubvira karekare, vakaporofita nezvehondo neshangwa yenzara nedenda zvaizowira nyika zhinji noumambo hune simba.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vaporofita, vakanditangira ini newe, vakaporofitera nyika zhinji, noushe hukuru, vachireva zvokurwa, nenzara, nehosha yakaipa.
Shona 2009?
Vaporofita, vakanditangira ini newe, vakaporofitira nyika zhinji, noushe hukuru, vachireva zvokurwa, nenzara, nehosha yakaipa.
Shona SUB 2002 Bible
Vaporofita, vakanditangira ini newe, vakaporofitera nyika zhinji, noushe hukuru, vachireva zvokurwa, nenzara, nechirwere chakaipa.