Jeremiah 29:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nokuti ʋakaita noʋupenzi pakati paIsraeri, ʋakaita ʋupombge naʋakadzi ʋoʋokwaʋo, ʋakareʋa mashoko enhema nezita raŋgu, andisina‐kuʋaraira; ini ndini ndinoziʋa, ndini capupu — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti vakaita zvinhu zvinonyangadza muIsraeri; vakaita upombwe navakadzi vavavakidzani vavo uye vakareva nhema muzita rangu, izvo zvandisina kuvaudza kuti vaite. Ndinozviziva uye ndiri chapupu chazvo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti vanoita zvinhu zvoupenzi muIsiraeri, vakaita upombwe namadzimai evamwe vavo vakataura muzita rangu zvinhu zvokunyepa zvandisina kumbovatuma. Ini iyeni ndinozviziva uye ndini chapupu chacho. Ndizvo zvinotaura Tenzi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nokuti vakaita nohupenzi pakati paIsiraeri, vakaita hupombwe navakadzi vovokwavo, vakareva mashoko enhema nezita rangu, andisina kuvaraira; ini ndini ndinoziva, ndini chapupu, ndizvo zvinotaura Jehovha.”
Shona 2009?
"Nokuti vakaita nohupenzi pakati paIsiraeri, vakaita hupombwe navakadzi vovokwavo, vakareva mashoko enhema nezita rangu, andisina kuvaraira; ini ndini ndinoziva, ndini chapupu, ndizvo zvinotaura Jehovha."
Shona SUB 2002 Bible
“Nokuti vakaita nohupenzi pakati paIsiraeri, vakaita hupombwe navakadzi vovokwavo, vakareva mashoko enhema nezita rangu, andisina kuvaraira; ini ndini ndinoziva, ndini chapupu, ndizvo zvinotaura Jehovha.”