Jeremiah 29:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naJehova wehondo, Mŋari waIsraeri: Ɀawakatuma magwaro nezita rako kuʋanhu ʋose ʋari paJerusarema, nokunaZefania mŋanakomana womuprista Maaseia, nokuʋaprista ʋose, uciti:
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: Wakatumira matsamba muzita rako kuvanhu vose vomuJerusarema, kuna Zefania mwanakomana waMaaseya muprista, nokuna vamwe vaprista vose. Wakati kuna Zefania,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Zvanzi naTenzi wehondo nehondo Mwari weIsiraeri: ‘Wakatumiraka iwe matsamba muzita rako kuvanhu vose vari muJerusaremu nokunaZefaniya mwanakomana wokwaMaaseya mupristi, nokuvapristi vose’ uchiti,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, ‘Zvawakatuma magwaro nezita rako kuvanhu vose vari paJerusaremu, nokuna Zefaniya mwanakomana womupristi Maaseia, nokuvapristi vose,’ uchiti,
Shona 2009?
"Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, `Zvawakatuma magwaro nezita rako kuvanhu vose vari paJerusaremu, nokuna Zefaniya mwanakomana womuprista Maaseia, nokuvaprista vose,' uchiti,
Shona SUB 2002 Bible
“Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, ‘Zvawakatuma magwaro nezita rako kuvanhu vose vari paJerusaremu, nokuna Zefaniya mwanakomana womupristi Maaseia, nokuvapristi vose,’ uchiti,