Jeremiah 29:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova wakakuita muprista panɀimbo yomuprista Jehoiada, kuti mumba maJehova muʋe naʋatariri, kuti usuŋge mumatanda namaketani mumŋe nomumŋe unopeŋga, aciɀiita muprofita;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
‘Jehovha akakugadza kuva muprista panzvimbo yaJehoyadha kuti uve mutariri weimba yaJehovha; unofanira kuisa muchitokisi nomumangetani munhu upi zvake anopenga achiita somuprofita.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
‘Tenzi akuita mupristi panzvimbo pomupristi Jehoyadha kuti uve mukuru wokuona nezvomumba maTenzi uye benzi rose rinenge richiporofita riri pasi pako kuti uriise muchitokisi nesimbi muhuro.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
‘Jehovha wakakuita mupristi panzvimbo yomupristi Jehoiadha, kuti mumba maJehovha muve navatariri, kuti asunge mumatanda namaketani mumwe nomumwe unopenga, achizviita muporofita.’
Shona 2009?
‘Jehovha wakakuita muprista panzvimbo yomuprista Jehoiadha, kuti mumba maJehovha muve navatariri, kuti asunge mumatanda namaketani mumwe nomumwe unopenga, achizviita muporofita.'
Shona SUB 2002 Bible
‘Jehovha wakakuita mupristi panzvimbo yomupristi Jehoiadha, kuti mumba maJehovha muve navatariri, kuti asunge mumatanda namaketani mumwe nomumwe unopenga, achizviita muporofita.’