Jeremiah 29:31 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tumira ʋakatapxa ʋose shoko rinoti: Ɀanzi naJehova pamsoro paShemaia muNeheramiti: Shemaia ɀaakakuprofiterai, ini ndisina‐kumutuma, akakutendisai nhema,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Tumira shoko iri kuvatapwa vose, uti, ‘Zvanzi naJehovha pamusoro paShemaya, muNeherami: Nokuda kwokuti Shemaya akuprofiterai, kunyange ini ndisina kumutuma, uye aita kuti mutende nhema,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Endesa shoko kunhapwa dzose rokuti hezvinoi zviri kutaurwa naTenzi zvakanangana naShemaya wokuNeheramu. Pamusana pokuti Shemaya akaporofita kwamuri ini ndisina kumutuma akakuitai kuti muvimbe nenhema,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Tumira vakatapwa vose shoko rinoti, ‘Zvanzi naJehovha pamusoro paShemaia muNeheramiti, Shemaia zvaakakuporofiterai, ini ndisina kumutuma, akakutendisai nhema,’
Shona 2009?
"Tumira vakatapwa vose shoko rinoti, `Zvanzi naJehovha pamusoro paShemaia muNeheramiti, Shemaia zvaakakuporofitirai, ini ndisina kumutuma, akakutendisai nhema,'
Shona SUB 2002 Bible
“Tumira vakatapwa vose shoko rinoti, ‘Zvanzi naJehovha pamusoro paShemaia muNeheramiti, Shemaia zvaakakuporofiterai, ini ndisina kumutuma, akakutendisai nhema,’