Jeremiah 29:32 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
naiɀoɀo ɀanzi naJehova: Tarirai, ndicaroʋa Shemaia muNeheramiti, naʋana ʋake; haaŋgaʋi nomunhu uŋgagara pakati paʋanhu aʋa, ʋuye haaŋgaʋoni ɀakanaka ɀandicaitira ʋanhu ʋaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova — nokuti wakataura zinomukira Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
zvanzi naJehovha: Zvirokwazvo ndicharanga Shemaya muNeherami nezvizvarwa zvake. Haangavi nomunhu achasara pakati pavanhu ava, kana kuona zvinhu zvakanaka zvandichaitira vanhu vangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, nokuti akaparidza zvokundimukira.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
naizvozvo Tenzi anoti ndicharanga Shemaya wokuNeheramu nezvizvarwa zvake. Hapana kana nomumwe wokwake achava mupenyu kuti azoonawo zvakanaka zvandichaitira vanhu vangu, ndizvo zviri kurehwa naTenzi nokuti akataura mazwi okupandukira Tenzi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Tarirai, ndicharova Shemaia muNeheramiti, navana vake; haangavi nomunhu ungagara pakati pavanhu ava, uye haangaoni zvakanaka zvandichaitira vanhu vangu ndizvo zvinotaura Jehovha nokuti wakataura zvinomukira Jehovha.’ ”
Shona 2009?
naizvozvo zvanzi naJehovha, `Tarirai, ndicharova Shemaia muNeheramiti, navana vake; haangavi nomunhu ungagara pakati pavanhu ava, uye haangaoni zvakanaka zvandichaitira vanhu vangu ndizvo zvinotaura Jehovha nokuti wakataura zvinomukira Jehovha.' "
Shona SUB 2002 Bible
naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Tarirai, ndicharova Shemaia muNeheramiti, navana vake; haangavi nomunhu ungagara pakati pavanhu ava, uye haangaoni zvakanaka zvandichaitira vanhu vangu ndizvo zvinotaura Jehovha nokuti wakataura zvinomukira Jehovha.’ ”