Jeremiah 3:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀinonzi: Kana murume akaramba mukadzi wake, iye akabva kwaari, akandowanikwa nomumŋe murume, ko murume uŋgadzokera kwaari ɀe here? Ko nyika yakaɗai haiŋgaȿiɓiswi kwaɀo here? Asi iwe wakafeʋa naʋaɗikanwa ʋako ʋazhinji; ɀino woɗo‐kudzokera hako kwandiri — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Kana murume akaramba mukadzi wake, iye akamusiya hake akandowanikwa nomumwe murume, murume uyu angadzokerazve kwaari here? Ko, nyika haingasvibiswi here? Asi iwe wakararama sechifeve navadiwa vazhinji, zvino ungadzokera kwandiri here?” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kana murume akarambana nomudzimai wake, iye akaenda akandova mudzimai womumwe murume, murume uyu angadzokerana naye here? Nyika iyoyo haingan'oreswe zvakanyanya here? Wakaitaka zvoufeve nezvikomba zvakawanda, ungadzokere here, iwe, kwandiri? Ndizvo zviri kurehwa naTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvinonzi, “Kana murume akaramba mukadzi wake, iye akabva kwaari, akandowanikwa nomumwe murume, ko murume ungadzokera kwaarizve here? Ko nyika yakadai haingasvibiswi kwazvo here? Asi iwe wakafeva navadikanwa vako vazhinji; zvino woda kudzokera kwandiri ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona 2009?
Zvinonzi, "Kana murume akaramba mukadzi wake, iye akabva kwaari, akandowanikwa nomumwe murume, ko murume ungadzokera kwaarizve here? Ko nyika yakadai haingasvibiswi kwazvo here? Asi iwe wakafeva navadikamwa vako vazhinji; zvino woda kudzokera kwandiri ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Zvinonzi, “Kana murume akaramba mukadzi wake, iye akabva kwaari, akandowanikwa nomumwe murume, ko murume ungadzokera kwaarizve here? Ko nyika yakadai haingasvibiswi kwazvo here? Asi iwe wakafeva navadikanwa vako vazhinji; zvino woda kudzokera kwandiri ndizvo zvinotaura Jehovha.