Jeremiah 3:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naJehova: Dzokai imi ʋana ʋokudzokera shure, nokuti ndiri murume wenyu; ndicakutorai, mumŋe paguta rimŋe, ʋaʋiri parudzi rumŋe, ndicikuisai Zioni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Dzokai, imi vanhu vokusatenda,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “nokuti ndini murume wenyu. Ndichakusarudzai, ndichatora mumwe chete kubva kune rimwe guta, uye vaviri kubva kuno rumwe rudzi, ndigokuuyisai kuZioni.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Zvanzi naTenzi dzokai imi vana vasina kutendeka nokuti ini ndini tenzi wenyu. Ndichakutorai ndichiti muguta iri ndotora mumwechete, mumhuri iyi ndichitora vaviri, ndozokuunzai kuguta reZioni.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvanzi naJehovha, ‘Dzokai imi vana vokudzokera shure, nokuti ndiri murume wenyu; ndichakutorai, mumwe paguta rimwe, vaviri parudzi rumwe, ndichikuisai Zioni.’
Shona 2009?
"Zvanzi naJehovha, `Dzokai imwi vana vokudzokera shure, nokuti ndiri murume wenyu; ndichakutorai, mumwe paguta rimwe, vaviri parudzi rumwe, ndichikuisai Ziyoni.'
Shona SUB 2002 Bible
“Zvanzi naJehovha, ‘Dzokai imi vana vokudzokera shure, nokuti ndiri murume wenyu; ndichakutorai, mumwe paguta rimwe, vaviri parudzi rumwe, ndichikuisai Zioni.’