Jeremiah 3:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana mawanda nokuwedzerwa panyika pamazuʋa iwayo — ndiɀo ɀinotaura Jehova — haʋaŋgazoti: Areka yesuŋgano yaJehova; haʋaŋgaifuŋgi, haʋaŋgairaŋgariri, haʋaŋgaitȿaki, haʋaŋgaiiti ɀe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumazuva iwayo, pamunenge mawanda zvikuru munyika,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “vanhu havangazoti, ‘Areka yesungano yaJehovha.’ Hazvingazopindi mundangariro dzavo kana kurangarirwa; havazoishuvi, havangagadziri imwezve.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvanzi naTenzi pamazuva iwayo kana zvino maberekana kwazvo mawanda munyika ino, havachazombodoma kuti, ‘Bhokisi rechitenderano chaTenzi.’ Harisi kana kuzombouya zvaro mumusoro mavo kunyange kurirangarira zvako kana kumborisuwirwawo, harisi kuzombogadzirwa zvakare.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino kana mawanda nokuwedzerwa panyika pamazuva iwayo ndizvo zvinotaura Jehovha havangazoti, ‘Areka yesungano yaJehovha;’ havangaifungi, havangairangariri, havangaitsvaki, havangaiitizve.
Shona 2009?
"Zvino kana mawanda nokuwedzerwa panyika pamazuva iwayo ndizvo zvinotaura Jehovha havangazoti, `Areka yesungano yaJehovha;' havangaifungi, havangairangariri, havangaitsvaki, havangaiitizve.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino kana mawanda nokuwedzerwa panyika pamazuva iwayo ndizvo zvinotaura Jehovha havangazoti, ‘Areka yesungano yaJehovha;’ havangaifungi, havangairangariri, havangaitsvaki, havangaiitizve.