Jeremiah 3:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Namazuʋa iwayo imba yaJuda icafamba pamŋe cete neimba yaIsraeri, ʋacaʋuya pamŋe cete ʋacibva kunyika yokumsoro kunyika yandakapa madziɓaɓa enyu iʋe nhaka yaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumazuva iwayo imba yaJudha ichabatana neimba yaIsraeri, uye vose pamwe chete vachauya vachibva kunyika yokumusoro vachienda kunyika yandakapa madzibaba enyu kuti ive nhaka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mumazuva iwayo vemba yokwaJudha vachabatana nevemba yokwaIsiraeri. Vachadzoka pamwechete vachibva kunyika kuchamhembe vachiuya kunyika yandakapa madzibaba enyu kuti ive nhaka yavo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Namazuva iwayo imba yaJudha ichafamba pamwechete neimba yaIsiraeri, vachauya pamwechete vachibva kunyika yokumusoro kunyika yandakapa madzibaba enyu ive nhaka yavo.”
Shona 2009?
Namazuva iwayo imba yaJudha ichafamba pamwechete neimba yaIsiraeri, vachauya pamwechete vachibva kunyika yokumusoro kunyika yandakapa madzibaba enyu ive nhaka yavo."
Shona SUB 2002 Bible
Namazuva iwayo imba yaJudha ichafamba pamwechete neimba yaIsiraeri, vachauya pamwechete vachibva kunyika yokumusoro kunyika yandakapa madzibaba enyu ive nhaka yavo.”