Jeremiah 3:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ndakati: Ndicakuisai sei pakati paʋana ʋaŋgu, ndikupei nyika inofadza, nhaka yakaiȿo‐naka yamarudzi akawanda; ndikati: Imi mucanditumidza zita rokuti Ƃaɓa ʋaŋgu, hamuŋgazotsauki pakunditeʋera.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ini pachangu ndakati, “ ‘Ndichafara sei pakukubatai savanakomana vangu uye ndichikupai nyika inoyevedza, iyo nhaka yakaisvonaka yorudzi rupi zvarwo.’ Ndakafunga kuti muchanditi ‘Baba’ mukasazotsauka pakunditevera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ini Tenzi ndakati, “Zvaizofadza seiko kukubatai somumwe wevanakomana vangu ndichikupai nyika yakanaka, nhaka yakanakisisa pane yamamwe marudzi ose. Ndaifunga kuti maizondidaidza kuti, ‘Baba vangu’ musisandifuratire morega kunditevera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi ndakati, “Ndichakuisai sei pakati pavanga vangu, ndikupei nyika inofadza, nhaka yakaisvonaka yamarudzi akawanda;” ndikati, “Imi muchanditumidza zita rokuti, ‘Baba vangu, hamungazotsauki pakunditevera.’
Shona 2009?
Asi ndakati, "Ndichakuisai sei pakati pavana vangu, ndikupei nyika inofadza, nhaka yakaisvonaka yamarudzi akawanda," ndikati, "Imi muchanditumidza zita rokuti, `Baba vangu, hamungazotsauki pakunditevera.'
Shona SUB 2002 Bible
Asi ndakati, “Ndichakuisai sei pakati pavanga vangu, ndikupei nyika inofadza, nhaka yakaisvonaka yamarudzi akawanda;” ndikati, “Imi muchanditumidza zita rokuti, ‘Baba vangu, hamungazotsauki pakunditevera.’