Jeremiah 3:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Riŋgira meso ako kuɀikomo ɀisinemiti, uʋone; paʋasina‐kupombora newe ndapapi? Wakaʋagarira panzira somuArabia parenje; waȿiɓisa nyika nokufeʋa kwako neɀakaipa ɀako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Tarira kunzvimbo dzakakwirira dzisina miti uone. Iripo here nzvimbo yausina kumboitira ufeve? Mujinga menzira wakagaramo wakamirira zvikomba, wakagara kunge vanhu vouragu vari murenje. Wakasvibisa nyika noufeve hwako uye nezvakaipa zvako.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Simudza musoro utarisewo kumitunhu yakatunhumara kusina miti. Ndapapi pausina kuitira chakaipa? Mudzinzira waigara wakamirira zvikomba zvako, sokuhwandira kunoita muArabhu mugwenga. Wan'oresa nyika iwe nounzenza hwako hunosemesa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ringira meso ako kuzvikomo zvisina miti, uone; pavasina kupombora newe ndapapi? Wakavagarira panzira somuArabhia parenje; wasvibisa nyika nokufeva kwako nezvakaipa zvako.
Shona 2009?
"Ringira meso ako kuzvikomo zvisina miti, uone; pavasina kupombora newe ndapapi? Wakavagarira panzira somuArabhia parenje; wasvibisa nyika nokufeva kwako nezvakaipa zvako.
Shona SUB 2002 Bible
“Ringira meso ako kuzvikomo zvisina miti, uone; pavasina kupombora newe ndapapi? Wakavagarira panzira somuArabhia parenje; wasvibisa nyika nokufeva kwako nezvakaipa zvako.