Jeremiah 3:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ŋgatiʋatei pasi nokunyadziswa kweɗu, kunyara kweɗu ŋgakutifukidze; nokuti takatadzira Jehova Mŋari weɗu, isu namadziɓaɓa eɗu, kubva paʋuɗuku bgeɗu kuȿikira pazuʋa ranhasi; hatinakuterera inzwi raJehova Mŋari weɗu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ngativatei pasi munyadzi dzedu, uye kunyara kwedu ngakutifukidze. Takatadzira Jehovha Mwari wedu, isu tose namadzibaba edu; kubva pauduku hwedu kusvikira nhasi hatina kuteerera Jehovha Mwari wedu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ngatitii pasi ware ware kurara nenyadzi, kunyara kutikwidibire nokuti takatadzira Tenzi, Mwari wedu, isu namadzibaba edu kubvira pahuduku hwedu kusvikira pari nhasi. Uye hatina kuteerera izwi raTenzi, Mwari wedu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ngativatei pasi nokunyadziswa kwedu, kunyara kwedu ngakutifukidze; nokuti takatadzira Jehovha Mwari wedu, isu namadzibaba edu, kubva pahuduku hwedu kusvikira pazuva ranhasi; hatina kuterera inzwi raJehovha Mwari wedu.
Shona 2009?
Ngativatei pasi nokunyadziswa kwedu, kunyara kwedu ngakutifukidze; nokuti takatadzira Jehovha Mwari wedu, isu namadzibaba edu, kubva pahuduku bwedu kusvikira pazuva ranhasi; hatina kuteerera inzwi raJehovha Mwari wedu.
Shona SUB 2002 Bible
Ngativatei pasi nokunyadziswa kwedu, kunyara kwedu ngakutifukidze; nokuti takatadzira Jehovha Mwari wedu, isu namadzibaba edu, kubva pahuduku hwedu kusvikira pazuva ranhasi; hatina kuterera izwi raJehovha Mwari wedu.