Jeremiah 3:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ko ucagara akatsamŋa nokusiŋgaperi here? Ucagara nako kuȿikira pakupedzisira here? Tarira, wakataura iɀoɀo ukaita ɀinhu ɀakaipa, ukaɀipedzisa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
muchagara makatsamwa here? Kutsamwa kwenyu kucharamba kuripo nokusingaperi here?’ Aya ndiwo matauriro ako, asi unoita zvakaipa zvose zvaunogona kuita.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
mucharamba makangotsamwa here narini wose; mucharamba makangoshatirwa kusvikira kumagumo here?’ Tarisa uone kuti izvi kutaura unotaura zvako asi iwe wakaita zvakaipa paunokwanisira napo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ko uchagara akatsamwa nokusingaperi here? Uchagara nako kusvikira pakupedzisira here? Tarira, wakataura izvozvo ukaita zvinhu zvakaipa, ukazvipedzisa.”
Shona 2009?
Ko uchagara akatsamwa nokusingaperi here? Uchagara nako kusvikira pakupedzisira here? Tarira, wakataura izvozvo ukaita zvinhu zvakaipa, ukazvipedzisa."
Shona SUB 2002 Bible
Ko uchagara akatsamwa nokusingaperi here? Uchagara nako kusvikira pakupedzisira here? Tarira, wakataura izvozvo ukaita zvinhu zvakaipa, ukazvipedzisa.”