Jeremiah 3:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehova wakati ɀe kwandiri, namazuʋa amambo Josia: Waʋona here ɀakaitwa naIsraeri pakudzokera kwaʋo shure? Ʋakakwira pagomo rimŋe nerimŋe rakakwirira nokupinda pasi pomuti mumŋe nomumŋe mutema, ndokundofeʋa’po.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Panguva yokutonga kwaMambo Josia, Jehovha akati kwandiri, “Waona here zvaitwa naIsraeri wokusatendeka? Ari kuenda pamusoro pezvikomo zvose zvakakwirira nepasi pemiti yose yakapfumvutira achindoita ufevepo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mumazuva amambo Josiya, Tenzi akati kwandiri, “Wakaona here zvakaitwa nomukadzi akapanduka uya, Isiraeri kunekura kwaaiita nezvikomo zvose nepasi pomuti wose wose wakasvibira achiitira ufeve hwake imomo?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehovha wakatizve kwandiri, namazuva amambo Josia, “Waona here zvakaitwa naIsiraeri pakudzokera kwavo shure? Vakakwira pagomo rimwe nerimwe rakakwirira nokupinda pasi pomuti mumwe nomumwe mutema, ndokundofevapo.
Shona 2009?
Zvino Jehovha wakatizve kwandiri, namazuva amambo Josiya, "Waona here zvakaitwa naIsiraeri pakudzokera kwavo shure? Vakakwira pagomo rimwe nerimwe rakakwirira nokupinda pasi pomuti mumwe nomumwe mutema, ndokundofevapo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehovha akatizve kwandiri, namazuva amambo Josiya, “Waona here zvakaitwa naIsiraeri pakudzokera kwavo shure? Vakakwira pagomo rimwe nerimwe rakakwirira nokupinda pasi pomuti mumwe nomumwe mutema, ndokundofevapo.