Jeremiah 3:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ndakaʋona kuti paŋguʋa yandakaramba Israeri, ʋokudzokera shure, ndikaʋapa rugwaro rwokuʋaramba nemhaka yokufeʋa kwaʋo, kunyaŋge ɀakaɗaro munuŋuna waʋo, iʋo ʋaJuda, ʋokusatendeka, haʋana‐kutya; asi naiʋo ʋakandofeʋa ʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakapa Israeri wokusatendeka tsamba yokurambana ndikamudzinga nokuda kwoufeve hwake. Kunyange zvakadaro ndakaona kuti Judha munun'una wake wokusatenda haatyi; naiyewo akabuda akandoita ufeve.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Judha akaona kuti pamusana poupombwe hwomukadzi asingavimbiki uya, Isiraeri, ini ndakamuramba netsamba yegupuro. Asi munun'una wake, munyengedzi, Judha, hazvina kumbomurovesa hana. Asi ndopaakatondoitawo unzenza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ndakaona kuti panguva yandakaramba Isiraeri, vokudzokera shure, ndikavapa rugwaro rwokuvaramba nemhaka yokufeva kwavo, kunyange zvakadaro munun'una wavo, ivo vaJudha, wokusatendeka, havana kutya; asi naivo vakandofevawo.
Shona 2009?
Zvino ndakaona kuti panguva yandakaramba VaIsiraeri, vokudzokera shure, ndikavapa rugwaro rwokuvaramba nemhaka yokufeva kwavo, kunyange zvakadaro munun'una wavo, ivo vaJudha, vokusatendeka, havana kutya; asi naivo vakandofevawo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ndakaona kuti panguva yandakaramba Isiraeri, vokudzokera shure, ndikavapa rugwaro rwokuvaramba nemhaka yokufeva kwavo, kunyangwe zvakadaro munun'una wavo, ivo vaJudha, wokusatendeka, havana kutya; asi naivo vakandofevawo.