Jeremiah 30:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo usatya hako, iwe Jakobo muranda waŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova; usavunduka hako, iwe Israeri, nokuti tarira, ndicakuponesa uri kure, naʋana ʋako kunyika kwaʋakatapirwa; Jakobo ucadzoka, ucagara akagadzikana anorugare, hakuna‐uŋgamutyisa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Saka, usatya, iwe Jakobho muranda wangu; usavhunduka, iwe Israeri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Ndichakuponesa uri kure zvirokwazvo, nezvizvarwa zvako kubva munyika yokutapwa kwavo. Jakobho achavazve norugare nokugara zvakanaka, uye hakuna achazomutyisa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Zvino iwe Jakobho, muranda wangu, rega zvako kutya, kana kudumbirwa nazvo iwe Isiraeri, ndizvo zviri kutaurwa naTenzi, nokuti, chionai, ndichakununurai ikoko kunzvimbo iri kure. Vana vako ndichavanunura munyika youranda hwavo. VokwaJakobho vachadzoka vavave norunyararo norudekaro, hapana achavatyisidzira
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo usatya hako, iwe Jakobho muranda wangu, ndizvo zvinotaura Jehovha; usavhunduka hako, iwe Isiraeri, nokuti tarira, ndichakuponesa uri kure, navana vako kunyika kwavakatapirwa; Jakobho uchadzoka, uchagara akagadzikana anorugare, hakuna ungamutyisa.
Shona 2009?
Naizvozvo usatya hako, iwe Jakobho muranda wangu, ndizvo zvinotaura Jehovha; usavhunduka hako, iwe Isiraeri; nokuti tarira, ndichakuponesa uri kure, navana vako kunyika kwavakatapirwa; Jakobho uchadzoka, uchagara akagadzikana anorugare, hakuna ungamutyisa.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo usatya hako, iwe Jakobho muranda wangu, ndizvo zvinotaura Jehovha; usavhunduka hako, iwe Isiraeri, nokuti tarira, ndichakuponesa uri kure, navana vako kunyika kwavakatapirwa; Jakobho uchadzoka, uchagara akagadzikana anorugare, hakuna ungamutyisa.