Jeremiah 30:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ndinewe, kuti ndikuponese — ndiɀo ɀinotaura Jehova; nokuti ndicagumisa cose marudzi ose kwandakakuparadzira, asi iwe handiŋgakugumisi cose; asi ndicakuraŋga nokururama, handiŋgatoŋgokuregi usinokurobga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndinewe uye ndichakuponesa,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Kunyange hazvo ndakaparadza chose ndudzi dzose dzandakakuparadzira pakati padzo, handingazokuparadzi zvachose iwe. Ndichakuranga asi nokururamisira chete; handingakusiyi usina kurangwa zvachose.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti ndinemi kuitira kuti ndikununurei, ndizvo zvinorehwa naTenzi. Nokuti marudzi ekwandakakumwararidzai ndichaaparadza imi handisi kuzokuparadzai zvachose, asi ndichakurangaiwo nemwerowo wakafanira, handisi kuzokuregai musina kurangwa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti ndinewe, kuti ndikuponese, ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndichagumisa chose marudzi ose kwandakakuparadzira, asi iwe handingakugumisi chose; asi ndichakuranga nokururama, handingatongokuregi usina kurohwa.”
Shona 2009?
Nokuti ndinewe, kuti ndikuponese, ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndichagumisa chose marudzi ose kwandakakuparadzira, asi iwe handingakugumisi chose; asi ndichakuranga nokururama, handingatongokuregi usina kurohwa."
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti ndinewe, kuti ndikuponese, ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndichagumisa chose marudzi ose kwandakakuparadzira, asi iwe handingakugumisi chose; asi ndichakuranga nokururama, handingatongokuregi usina kurohwa.”