Jeremiah 30:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ndicakudzosera mufaro pamuʋiri, ndicakuporesa maʋaŋga ako — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ɀaʋakakutumidza zita rinonzi Murashwa, ʋaciti: NdiZioni ɀaro, hakunomunhu unehanya naro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi iwe ndichakudzorera pautano uye ndichaporesa maronda ako,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘nokuti iwe wakanzi murashwa, Zioni zvaro risina ane hanya naro.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti ndichakudzosera utano hwako maronda ako ndichiaporesa ndizvo zviri kutaura Tenzi pamusana pokuti vakakutumidza kuti ‘Musemwa.’ Vachitokuti, ‘Zionimurambwanavose.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti ndichakudzosera mufaro pamuviri, ndichakuporesa mavanga ako, ndizvo zvinotaura Jehovha, zvavakakutumidza zita rinonzi Murashwa, vachiti, ‘NdiZioni zvaro, hakuna munhu une hanya naro.’ ”
Shona 2009?
Nokuti ndichakudzosera mufaro pamuviri, ndichakuporesa mavanga ako, ndizvo zvinotaura Jehovha, zvavakakutumidza zita rinonzi Murashwa, vachiti, `NdiZiyoni zvaro, hakuna munhu une hanya naro.' "
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti ndichakudzosera mufaro pamuviri, ndichakuporesa mavanga ako, ndizvo zvinotaura Jehovha, zvavakakutumidza zita rinonzi Murashwa, vachiti, ‘NdiZioni zvaro, hakuna munhu une hanya naro.’ ”