Jeremiah 30:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naJehova: Ndicadzosa ɀe kutapxa kwamatente aJakobo, nokunzwira ʋugaro bgake tsitsi; guta ricaʋakwa pamsoro pegomo raro, imba yamambo icagarwa seɀakafanira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Zvanzi naJehovha, ‘Ndichadzosazve kutapwa kwamatende aJakobho uye ndigonzwira ugaro hwake tsitsi; guta richavakwazve pamatongo aro, nomuzinda uchamira panzvimbo yawo yakafanira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvanzi naTenzi, “Chionai, ndichadzosera makomborero omumatende evokwaJakobho ndichiitira ngoni mavo mavagere. Guta richavakwa pachimudhuri charo muzindawo uchamira pawaiva.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvanzi naJehovha, ‘Ndichadzosazve kutapwa kwamatende aJakobho, nokunzwirwa hugaro hwake tsitsi; guta richavakwa pamusoro pegomo raro, imba yamambo ichagarwa sezvakafanira.
Shona 2009?
"Zvanzi naJehovha, `Ndichadzosazve kutapwa kwamatende aJakobho, nokunzwira hugaro hwake tsitsi; guta richavakwa pamusoro pegomo raro, imba yamambo ichagarwa sezvakafanira.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvanzi naJehovha, ‘Ndichadzosazve kutapwa kwamatende aJakobho, nokunzwirwa hugaro hwake tsitsi; guta richavakwa pamusoro pegomo raro, imba yamambo ichagarwa sezvakafanira.