Jeremiah 30:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Bvunzai ɀino muʋone kana murume uŋgagona kusurumuka; ndinoʋonereiko murume mumŋe nomumŋe akaisa maʋoko ake paciʋuno cake somukadzi unosurumuka, neɀiso ɀose ɀakaceneruka?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Bvunzai muone: Ko, murume angagona kusununguka mwana here? Zvino, seiko ndichiona murume mumwe, nomumwe akasimba akabata padumbu pake namaoko ake somukadzi worwadziwa, zviso zvose zvachenuruka?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Imbobvunzai zvenyu muzvione, munhurume angapone mwana here? Zvamboita sei chaizvo kuti ini ndione murume wose akabata chiuno namaoko somukadzi ari pakusununguka? Uso hwomunhu wose kuchenuruka kudai zvaita sei chaizvo?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Bvunzai zvino muwone kana murume ungagona kusurumuka; ndinowonereiko murume mumwe nomumwe akaisa maoko ake pachiuno chake somukadzi unosurumuka, nezviso zvose zvakacheneruka?
Shona 2009?
Bvunzai zvino muwone kana murume ungagona kusurumuka; ndinowonereiko murume mumwe nomumwe akaisa maoko ake pachiuno chake somukadzi unosurumuka, nezviso zvose zvakacheneruka?
Shona SUB 2002 Bible
Bvunzai zvino muwone kana murume ungagona kusurumuka; ndinowonereiko murume mumwe nomumwe akaisa maoko ake pachiuno chake somukadzi unosurumuka, nezviso zvose zvakacheneruka?