Jeremiah 30:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Maiwe! Nokuti zuʋa iro iguru, hakuna‐rakafanana naro; iŋguʋa yokutambudzika kwaJakobo; asi ucasunuŋgurwa paɀiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Haiwa, zuva iro richatyisa seiko! hakuna richafanana naro. Ichava nguva yokutambudzika yaJakobho, asi iye achaponeswa pairi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Hezvino ndakadai, ‘Zuva iroro izuva guru, hakuna kana nerimwe rakaita sairoro, inguva yenhamo chaiyo kune vokwaJakobho asi vachanunurwa zvavo mariri.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Maiwe! Nokuti zuva iro iguru, hakuna rakafanana naro; inguva yokutambudzika kwaJakobho; asi uchasunungurwa pazviri.
Shona 2009?
Maiwe! Nokuti zuva iro iguru, hakuna rakafanana naro; inguva yokutambudzika kwaJakobho; asi uchasunungurwa pazviri.
Shona SUB 2002 Bible
Maiwe! Nokuti zuva iro iguru, hakuna rakafanana naro; inguva yokutambudzika kwaJakobho; asi uchasunungurwa pazviri.