Jeremiah 31:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mhandara icafara nokutamba, namajaya naʋatana pamŋe cete; nokuti ndicashandura kucema kwaʋo uʋe mufaro, ndicaʋanyaradza, nokuʋafadza pakusuwa kwaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo varandakadzi vachatamba uye vachafara, majaya navatana vachafarawo. Ndichashandura kuchema kwavo kuti kuve mufaro; ndichavanyaradza nokuvapa mufaro pachinzvimbo chokusuwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ipapo ndopachapembera kufara, vasikana vodzana zvino, majaya navakura vachifara zvavo. Nhamo yavo yokuchema ndichaishandura kuva kupembera kufara. Ndichavanyaradza ndichivapa mufaro panzvimbo pokusuruvara.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mhandara ichafara nokutamba, namajaya navatana pamwechete; nokuti ndichashandura kuchema kwavo uve mufaro, ndichavanyaradza, nokuvafadza pakusuwa kwavo.
Shona 2009?
Ipapo mhandara ichafara nokutamba, namajaya navatana pamwechete; nokuti ndichashandura kuchema kwavo uve mufaro, ndichavanyaradza, nokuvafadza pakusuwa kwavo.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mhandara ichafara nokutamba, namajaya navatana pamwechete; nokuti ndichashandura kuchema kwavo uve mufaro, ndichavanyaradza, nokuvafadza pakusuwa kwavo.