Jeremiah 31:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naJehova: Inzwi rinonzwika muRama, rokuwuŋgudza nokucema kukuru, Rakeri unocema ʋana ʋake; unoramba kunyaradzwa pamsoro paʋana ʋake, nokuti haʋaci’po.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvanzi naJehovha, “Inzwi rinonzwikwa muRama, rokuungudza nokuchema kukuru, Rakeri achichema vana vake uye achiramba kunyaradzwa, nokuti vana vake havachipo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvanzi naTenzi, “Izwi rinonzwika kuRama, kuungudza nokuhwihwidza kuchema Rakeri achiridzira mhere vana vake vachiramba kunyaradzwa nezvevana vake pamusana pokuti havasisipo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvanzi naJehovha, “Izwi rinonzwika muRama, rokuwungudza nokuchema kukuru, Rakeri unochema vana vake; unoramba kunyaradzwa pamusoro pavana vake, nokuti havachipo.
Shona 2009?
Zvanzi naJehovha, "Inzwi rinonzwika muRama, rokuwungudza nokuchema kukuru, Rakeri unochema vana vake; unoramba kunyaradzwa pamusoro pavana vake, nokuti havachipo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvanzi naJehovha, “Izwi rinonzwika muRama, rokuwungudza nokuchema kukuru, Racheri unochema vana vake; unoramba kunyaradzwa pamusoro pavana vake, nokuti havachipo.