Jeremiah 31:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀirokwaɀo, ndakati ndadzoka, ndikatendeʋuka, ndakati ndarairirwa, ndikaɀiroʋa pahudyu; ndakanyadziswa, ɀirokwaɀo, ndakanyara, nokuti ndakatakura kushoʋorwa kwoʋuɗuku bgaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mushure mokutsauka kwangu, ndakatendeuka; ndakati ndanzwisisa ndikazvirova chipfuva. Ndakanyadziswa uye ndakaninipiswa nokuti ndakatakura nyadzi dzouduku hwangu.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinodaro nokuti mushure mokunge ndarasika ndakapinduka, uyewo mushure mokunge ndadzidziswa ndakaombera maoko ndakabatwa nenyadzi ndikadumbirwa nazvo nokuti ndaitenge ndakafumuka nezvandakaita kubvira pauduku hwangu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvirokwazvo, ndakati ndadzoka, ndikatendeuka, ndakati ndarairirwa, ndikazvirova pahudyu; ndakanyadziswa, zvirokwazvo, ndakanyara, nokuti ndakatakura kushoorwa kwohuduku hwangu.
Shona 2009?
Zvirokwazvo, ndakati ndadzoka, ndikatendeuka, ndakati ndarairirwa, ndikazvirova pahudyu; ndakanyadziswa, zvirokwazvo, ndakanyara, nokuti ndakatakura kushoorwa kohuduku hwangu.
Shona SUB 2002 Bible
Zvirokwazvo, ndakati ndadzoka, ndikatendeuka, ndakati ndarairirwa, ndikazvirova pahudyu; ndakanyadziswa, zvirokwazvo, ndakanyara, nokuti ndakatakura kushoorwa kwohuduku hwangu.