Jeremiah 31:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ko Efraimi ndiye mŋanakomana waŋgu unoɗikanwa here? Ndiye mŋana unondifadza here? Nokuti ŋguʋa dzose kana ndicimutuka, ndinoramba ndicimuraŋgarira kwaɀo; naiɀoɀo mŋoyo waŋgu unomucemera; ɀirokwaɀo, ndicamunzwira nyasha — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ko, Efuremu haasi mwanakomana wangu anodikanwa, mwana anondifadza here? Kunyange dai ndichimbomutuka hangu, ndinoramba ndichimurangarira. Naizvozvo, mwoyo wangu unomushuva; ndinomunzwira tsitsi kwazvo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“VokwaEfuremu ava mwanakomana wangu wapamwoyo here chaizvo? Ndiye here mwana wangu wandinodisa? Chinondipa kudaro ndechokuti pose pandinotaura zvokumuyambira ndinenge ndichingomufunga chete. Ndokusaka mwoyo wangu uchimusuwa, ndichatomuitira tsitsi chete, ndizvo zviri kutaura Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ko Efuremu ndiye mwanakomana wangu unodikanwa here? Ndiye mwana unondifadza here? Nokuti nguva dzose kana ndichimutuka, ndinoramba ndichimurangarira kwazvo; naizvozvo mwoyo wangu unomuchemera; zvirokwazvo, ndichamunzwira nyasha, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona 2009?
Ko Efuremu ndiye mwanakomana wangu unodikamwa here? Ndiye mwana unondifadza here? Nokuti nguva dzose kana ndichimutuka, ndinoramba ndichimurangarira kwazvo; naizvozvo moyo wangu unomuchemera; zvirokwazvo, ndichamunzwira nyasha, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Ko Efuremu ndiye mwanakomana wangu unodikanwa here? Ndiye mwana unondifadza here? Nokuti nguva dzose kana ndichimutuka, ndinoramba ndichimurangarira kwazvo; naizvozvo mwoyo wangu unomuchemera; zvirokwazvo, ndichamunzwira nyasha, ndizvo zvinotaura Jehovha.