Jeremiah 31:28 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino seɀandakaʋarindira, ndicidzura nokukoromora nokuwisira pasi nokuparadza nokutambudza, saiɀoɀo ndicaʋarindira ndiʋake nokusima — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sezvandakavarindira kuti ndidzure, ndikoromore, nokuwisira pasi, nokuparadza, nokuuyisa njodzi, saizvozvo ndichavarindira, kuti ndivake nokusima,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvimwe zvichazoitika ndezvokuti sokuona kwandakaita vachidzipurwa nokupazwa vachikurirwa vachiparadzwa nhamo dzichivawira saizvozvo ndichatoonawo kuti vavakwa nokusimwa, ndizvo zviri kutaura Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino sezvandakavarindira, ndichidzura nokukoromora nokuwisira pasi nokuparadza nokutambudza, saizvozvo ndichavarindira ndivake nokusima ndizvo zvinotaura Jehovha.’
Shona 2009?
Zvino sezvandakavarindira, ndichidzura nokukoromora nokuwisira pasi nokuparadza nokutambudza, saizvozvo ndichavarindira ndivake nokusima ndizvo zvinotaura Jehovha.'
Shona SUB 2002 Bible
Zvino sezvandakavarindira, ndichidzura nokukoromora nokuwisira pasi nokuparadza nokutambudza, saizvozvo ndichavarindira ndivake nokusima ndizvo zvinotaura Jehovha.’