Jeremiah 31:32 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Haiŋgafanani nesuŋgano yandakaita namadziɓaɓa aʋo namazuʋa andakaʋaɓata ruʋoko ndikaʋaɓuɗisa munyika yeEgipita, ʋakaputsa suŋgano yaŋgu iyo, kunyaŋge ndakaŋga ndiri murume kwaʋari — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Haingazofanani nesungano yandakaita namadzitateguru avo, pandakavabata ruoko kuti ndivabudise munyika yeIjipiti, nokuti vakaputsa sungano yangu, kunyange ndakanga ndiri murume kwavari,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chichange chisina kufanana nechitenderano chiya chandakaita namadzitateguru avo pandakavabata ruoko ndichivaburitsa munyika yeIjipiti, chitenderano changu chavakaputsa kunyange zvazvo ini ndiri ini ndaiva murume wavo, ndizvo zviri kutaura Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Haingafanani nesungano yandakaita namadzibaba avo namazuva andakavabata ruoko ndikavabudisa munyika yeIjipiti, vakaputsa sungano yangu iyo, kunyange ndakanga ndiri murume kwavari ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona 2009?
Haingafanani nesungano yandakaita namadzibaba avo namazuva andakavabata ruoko ndikavabudisa munyika yeIjipiti, vakaputsa sungano yangu iyo, kunyange ndakanga ndiri murume kwavari ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Haingafanani nesungano yandakaita namadzibaba avo namazuva andakavabata ruoko ndikavabudisa munyika yeIjipiti, vakaputsa sungano yangu iyo, kunyangwe ndakanga ndiri murume kwavari ndizvo zvinotaura Jehovha.