Jeremiah 31:33 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi heyi suŋgano yandicaita neimba yaIsraeri shure kwamazuʋa iwayo — ndiɀo ɀinotaura Jehova: Ndicaisa murairo waŋgu mukati maʋo, ndicaunyora pamŋoyo yaʋo; ini ndicaʋa Mŋari waʋo, iʋo ʋacaʋa ʋanhu ʋaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Iyi indiyo sungano yandichaita neimba yaIsraeri shure kwamazuva iwayo,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichaisa murayiro wangu mundangariro dzavo, ndigounyora mumwoyo yavo. Ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi ichi ndochitenderano chandichaita nemba yeIsiraeri mushure memazuva iwayo, ndizvo zvinotaura Tenzi, chokuti: “Ndichauisa mutemo wangu mavari ndichiunyora pamwoyo pavo. Ini ndichava Mwari wavo, ivo vachivawo vanhu vangu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi heyi sungano yandichaita neimba yaIsiraeri shure kwamazuva iwayo, ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘Ndichaisa murayiro wangu mukati mavo, ndichaunyora pamwoyo yavo; ini ndichava Mwari wavo, ivo vachava vanhu vangu.’
Shona 2009?
Asi heyi sungano yandichaita neimba yalsiraeri shure kwamazuva iwayo, ndizvo zvinotaura Jehovha, `Ndichaisa murayiro wangu mukati mavo, ndichaunyora pamoyo yavo; ini ndichava Mwari wavo, ivo vachava vanhu vangu.'
Shona SUB 2002 Bible
Asi heyi sungano yandichaita neimba yaIsiraeri shure kwamazuva iwayo, ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘Ndichaisa murairo wangu mukati mavo, ndichaunyora pamwoyo yavo; ini ndichava Mwari wavo, ivo vachava vanhu vangu.’