Jeremiah 31:34 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Haʋaŋgazodzidzisani, mumŋe nomumŋe nowokwake, mumŋe nomumŋe nehama yake, aciti: Ziʋa Jehova; nokuti ʋacandiziʋa ʋose, kubva kuʋaɗuku pakati paʋo kuȿikira kuʋakuru pakati paʋo — ndiɀo ɀinotaura Jehova; nokuti ndicakaŋganwira kuipa kwaʋo, neɀiʋi ɀaʋo handiŋgazoɀiraŋgariri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hakuna munhu achadzidzisa muvakidzani wake kana hama yake, achiti, ‘Ziva Jehovha,’ nokuti vose vachamuziva, kubva kumuduku wavo kusvikira kumukuru,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Nokuti ndichavakanganwira kuipa kwavo, uye handingarangaririzve zvivi zvavo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuchange kusisina zvokudzidzisanazve mumwe nomumwe, hama nehama, munhu achiti, ‘Zivawo Tenzi,’ nokuti vose zvavo vachandiziva kubvira kumuduku-duku kusvikira kumukuru wacho ndizvo zviri kutaura Tenzi nokuti ndichavaregerera uipi hwavo uye chitadzo chavo handichazombochirangarirazve.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Havangazodzidzisani, mumwe nomumwe nowokwake, mumwe nomumwe nehama yake, achiti, ‘Ziva Jehovha; nokuti vachandiziva vose, kubva kuvaduku pakati pavo, kusvikira kuvakuru pakati pavo, ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndichakanganwira kuipa kwavo, nezvivi zvavo handingazozvirangariri.’
Shona 2009?
Havangazodzidzisani, mumwe nomumwe nowokwake, mumwe nomumwe nehama yake, achiti, `Ziva Jehovha; nokuti vachandiziva vose, kubva kuvaduku pakati pavo, kusvikira kuvakuru pakati pavo, ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndichakangamwira kuipa kwavo, nezvivi zvavo handingazozvirangariri.'
Shona SUB 2002 Bible
Havangazodzidzisani, mumwe nomumwe nowokwake, mumwe nomumwe nehama yake, achiti, ‘Ziva Jehovha; nokuti vachandiziva vose, kubva kuvaduku pakati pavo, kusvikira kuvakuru pakati pavo, ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndichakanganwira kuipa kwavo, nezvivi zvavo handingazozvirangariri.’