Jeremiah 31:36 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana mirairo iyi ikabva pamberi paŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ipapo ʋana ʋaIsraeri ʋo ʋaŋgaguma ʋo kuʋa rudzi pamberi paŋgu nokusiŋgaperi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Kana chete mitemo iyi ikabva pamberi pangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ndiko kuti zvizvarwa zvigume kuva rudzi pamberi pangu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana urongwa ihwohu hukabva pamberi pangu, ndizvo zviri kutaura Tenzi ndopachozorega zvizvarwa zveIsiraeri kuva rudzi pamberi pangu narini wose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana mirairo iyi ikabva pamberi pangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, ipapo vana vaIsiraeriwo vangagumawo kuva rudzi pamberi pangu nokusingaperi.
Shona 2009?
Kana mirairo iyi ikabva pamberi pangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, ipapo vana vaIsiraeriwo vangagumawo kuva rudzi pamberi pangu nokusingaperi.
Shona SUB 2002 Bible
Kana mirairo iyi ikabva pamberi pangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, ipapo vana VaIsiraeriwo vangagumawo kuva rudzi pamberi pangu nokusingaperi.