Jeremiah 31:40 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mupata wose weɀitunha nowamaɗota, neminda yose kuȿikira kurukoʋa Kidroni, kuȿikira kukona resuʋo ramabiza kurutiʋi rwamabvazuʋa, ɀicaʋa ɀitȿene kunaJehova; haɀiŋgazodzurwi, kana kuparadzwa nokusiŋgaperi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mupata wose unorasirwa zvitunha namadota, neminda yose kusvikira kuMupata weKidhironi kumabvazuva kusvikira kukona reSuo raMabhiza, zvichava zvitsvene kuna Jehovha. Guta harichazombodzurwi kana kuparadzwazve.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Bani rose zvaro rezvitunha namadota uye namakura ose kusvikira kuKakova keKidhironi kudzamara kukona yeSuo Guru raMabhiza tonanga kumabvazuva richava rinoera raTenzi. Harisi kuzofa rakadzipurwa kana kukurirwazve kusvikira narini wose.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mupata wose wezvitunha nowamadota, neminda yose kusvikira kurukova Kidhironi, kusvikira kukona resuo ramabhiza kurutivi rwamabvazuva, zvichava zvitsvene kuna Jehovha; hazvingazodzurwi, kana kuparadzwa nokusingaperi.”
Shona 2009?
Mupata wose wezvitunha nowamadota, neminda yose kusvikira kurukova Kidhironi, kusvikira kukona resuo ramabhiza kurutivi rwamabvazuva, zvichava zvitsvene kuna Jehovha; hazvingazodzurwi, kana kuparadzwa nokusingaperi."
Shona SUB 2002 Bible
Mupata wose wezvitunha nowamadota, neminda yose kusvikira kurukova Kidhironi, kusvikira kukona resuwo ramabhiza kurutivi rwamabvazuva, zvichava zvitsvene kuna Jehovha; hazvingazodzurwi, kana kuparadzwa nokusingaperi.”