Jeremiah 31:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarirai, ndicaʋaʋuyisa ʋacibva kunyika yokumsoro, ndicaʋaʋuŋganidza kumigumo yenyika, pamŋe cete namapofu, naʋanokamhina, naʋakadzi ʋaʋa nomuʋiri pamŋe cete naʋanosurumuka; ʋacadzokera ʋuno riri ɓoka guru.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Tarirai, ndichavauyisa vachibva kunyika yokumusoro, uye ndigovaunganidza kubva kumigumo yenyika. Pakati pavo pachava namapofu nezvirema, navanamai vane pamuviri navakadzi vanorwadziwa; boka guru richadzoka kuno.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Chinzwai ndichavauyisa ndichivabvisa kunyika yokuchamhembe ndichivakokorodza kure kure kwakaperera nyika chaiko pakati pavo paina mapofu nevakaremara nomudzimai akazvitakura pamwechete nomukadzi anenge achirwadzwa pakusununguka. Vachadzoka kuno vari gurusvusvu guru chairo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tarirai, ndichavauyisa vachibva kunyika yokumusoro, ndichavaunganidza kumigumo yenyika, pamwechete namapofu, navanokamhina, navakadzi vava nomuviri pamwechete navanosurumuka; vachadzokera uno riri boka guru.
Shona 2009?
Tarirai ndichavavuyisa vachibva kunyika yokumusoro, ndichavaunganidza kumigumo yenyika, pamwechete namapofu, nemhetamakumbo, navakadzi vava nomuviri pamwechete navanosurumuka; vachadzokera kuno riri boka guru.
Shona SUB 2002 Bible
Tarirai, ndichavauyisa vachibva kunyika yokumusoro, ndichavaunganidza kumigumo yenyika, pamwechete namapofu, navanokamhina, navakadzi vava nomuviri pamwechete navanosurumuka; vachadzokera kuno riri boka guru.