Jeremiah 32:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naJehova wehondo, Mŋari waIsraeri: Tora magwaro awa okuteŋga, rugwaro urwu rwokuteŋga rwakanamatidzwa, norugwaro urwu rwakashama, uɀiise mumudziyo wevu, ɀigare’mo mazuʋa mazhinji.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: Tora magwaro aya, okutengeserana ari maviri akanamwa neasina kunamwa, ugoisa muhari yevhu kuitira kuti agare kwamazuva mazhinji.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri, tora tsamba idzi dzose dziri mbiri dzinoti yechibvumirano chokutengeserana yakadhindwa, neimwe tsamba iyi udzirongedze mumudziyo wevhu kuitira kuti dzichengetekemo kwenguva refu
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, ‘Tora magwaro awa okutenga, rugwaro urwu rwokutenga rwakanamatidzwa, norugwaro urwu rwakashama, uzviise mumudziyo wevhu, zvigaremo mazuva mazhinji.’
Shona 2009?
"Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, `Tora magwaro awa okutenga, rugwaro urwu rwokutenga rwakanamatidzwa, norugwaro urwu rwakashama, uzviise mumudziyo wevhu, zvigaremo mazuva mazhinji.'
Shona SUB 2002 Bible
“Zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, ‘Tora magwaro awa okutenga, rugwaro urwu rwokutenga rwakanamatidzwa, norugwaro urwu rwakashama, uzviise mumudziyo wevhu, zvigaremo mazuva mazhinji.’