Jeremiah 32:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarirai, mirwi yokurwa yaȿika paguta kuti ʋarikunde; guta raiswa mumaʋoko aʋaKardea ʋanorwa naro, nokuɗa kwomunondo nenzara nehosha yakaipa; ɀamakataura ɀaitika, tarirai, munoɀiʋona.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Tarirai mavakirwo ari kuitwa mirwi yokukomba kuti vatore guta. Nokuda kwomunondo, nenzara uye denda, guta richaiswa mumaoko avaBhabhironi vari, kurirwisa. Zvamakataura zvaitika sezvamuri kuona zvino.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Hezvika, zvimudhuri zvinenge musana wenzou zvokukomba nazvo zvazosvikirawo guta rino kuzoritora. Zvino bakatwa neshangwa yenzara nedenda zvakonzera kuti guta rino riiswe mumaoko mavaKaridhea vari kurirwisa. Zvamakareva zvaitika uye kana imi muri kutozviona.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Tarirai, mirwi yokurwa yasvika paguta kuti varikunde; guta raiswa mumaoko avaKaradhea vanorwa naro, nokuda kwomunondo nenzara nehosha yakaipa; zvamakataura zvaitika, tarirai, munozviona.
Shona 2009?
"Tarirai, mirwi yokurwa yasvika paguta kuti varikunde; guta raiswa mumaoko avaKaradhea vanorwa naro, nokuda komunondo nenzara nehosha yakaipa, zvamakataura zvaitika, tarirai, munozviona.
Shona SUB 2002 Bible
“Tarirai, mirwi yokurwa yasvika paguta kuti varikunde; guta raiswa mumaoko avaKaradhia vanorwa naro, nokuda kwomunondo nenzara nechirwere chakaipa; zvamakataura zvaitika, tarirai, munozviona.