Jeremiah 32:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino imi Ishe Jehova, makati kwandiri: Ciɀiteŋgera munda nemari, uɗane ɀapupu, kunyaŋge ɀakaɗaro guta raiswa mumaʋoko aʋaKardea.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange hazvo guta rino richizoiswa mumaoko avaBhabhironi, imi, Ishe Jehovha makati kwandiri, ‘Zvitengere munda nesirivha uye uite kuti zvapupu zvivepo pakutengeserana uku.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvakadaro zvazvo, imi Tenzi Mwari makanditi, ‘Tenga gura iro nemari uve nezvapupu,’ kunyange zvazvo guta irori ratoiswa mumaoko mavaKaridhea.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino imi Ishe Jehovha, makati kwandiri, ‘Chitengera munda nemari, udane zvapupu, kunyange zvakadaro guta raiswa mumaoko avaKaradhea.’ ”
Shona 2009?
Zvino imwi Ishe Jehovha, makati kwandiri, `Chizvitengera munda nemari, udane zvapupu, kunyange zvakadaro guta raiswa mumaoko avaKaradhea.' "
Shona SUB 2002 Bible
Zvino imi Ishe Jehovha, makati kwandiri, ‘Chitengera munda nemari, udane zvapupu, kunyangwe zvakadaro guta raiswa mumaoko avaKaradhia.’ ”