Jeremiah 32:29 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ƲaKardea, ʋanorwa neguta rino, ʋacaʋuya ʋacituŋgidza guta rino, ʋaciripisira, pamŋe cete nedzimba dzaʋakaɓayira pamateŋga adzo ɀinonhuwira kunaBaari, nokuɗururira ʋamŋe ʋamŋari ɀipiriso ɀinoɗururwa, kuti ʋanditsamŋise.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaBhabhironi vari kurwisa guta rino vachauya vagopinda vagotungidza nomoto; vacharipisa, pamwe chete nedzimba dzavanhu vakanditsamwisa nokupisira zvinonhuwira kuna Bhaari pamusoro pamatenga adzo nokudururira zvipiriso zvokunwa kuna vamwe vamwari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaKaridhea vari kurwisa guta rino vachauya vagotungidza guta rino nomoto varipise pamwechete nedzimba dzine pamatenga paipisirwa rusenzi kuna Bhaari pachiteurwa mipiro yezvokunwa kuna vamwe vamwari kuti vandishatirise.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“VaKaradhea, vanorwa neguta rino, vachauya vachitungidza guta rino, vachiripisira, pamwechete nedzimba dzavakabayira pamatenga adzo zvinonhuwira kuna Bhaari, nokudururira vamwe vamwari zvipiriso zvinodururwa, kuti vanditsamwise.
Shona 2009?
"VaKaradhea, vanorwa neguta rino, vachauya vachitungidza guta rino, vachiripisira, pamwechete nedzimba dzavakabayira pamatenga adzo zvinonhuhwira kuna Bhaari, nokudururira vamwe vamwari zvipiriso zvinodururwa, kuti vanditsamwise.
Shona SUB 2002 Bible
“VaKaradhia, vanorwa neguta rino, vachauya vachitungidza guta rino, vachiripisira, pamwechete nedzimba dzavakabayira pamatenga adzo zvinonhuwira kuna Bhaari, nokudururira vamwe vamwari zvipiriso zvinodururwa, kuti vanditsamwise.