Jeremiah 32:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti Zedekia mambo waJuda wakaŋga amupfigira, aciti: Unoprofitereiko uciti: Ɀanzi naJehova: Tarirai, ndicaisa guta rino muruʋoko rwamambo weBabironi, iye ucarikunda;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Zedhekia mambo weJudha akanga amupfigira imomo, achiti, “Unoprofitirei sezvaunoita? Unoti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndava kuda kuisa guta rino mumaoko amambo weBhabhironi, uye acharipamba.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvakanga zvaitika ndezvokuti, Zedhekiya mambo wokwaJudha akanga amuisa mujeri achiti, “Unoporofitirei uchiti, zvanzi naTenzi regai muone ndava kuisa guta rino mumaoko amambo weBhabhironi uye acharitora?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti Zedhekia mambo waJudha wakanga amupfigira, achiti, “Unoporofitireiko uchiti, ‘Zvanzi naJehovha, tarirai, ndichaisa guta rino muruoko rwamambo weBhabhironi, iye ucharikunda;’
Shona 2009?
Nokuti Zedhekia mambo waJudha wakanga amupfigira, achiti, "Unoporofitireiko uchiti, `Zvanzi naJehovha, tarirai, ndichaisa guta rino muruoko rwamambo weBhabhironi, iye ucharikunda;'
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti Zedhekiya mambo waJudha wakanga amupfigira, achiti, “Unoporofitireiko uchiti, ‘Zvanzi naJehovha, tarirai, ndichaisa guta rino muruoko rwamambo weBhabhironi, iye ucharikunda;’